Judges 13

Kuberekwa kwaSamusoni

1VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akavaisa mumaoko avaFiristia kwamakore makumi mana.

2Mumwe murumwe weZora ainzi Manoa, aibva muimba yavaDhani, akanga ane mukadzi akanga asingabereki, asina mwana. 3Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari uye akati, “Iwe haubereki uye hauna mwana, asi uchava nemimba uye ugova nomwanakomana. 4Zvino uone kuti warega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye kuti urege kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, 5nokuti uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Chisvo hachifaniri kuveura musoro wake, nokuti mukomana anofanira kuva muNaziri, akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuzvarwa kwake, uye ndiye achatanga kusunungura vaIsraeri kubva mumaoko avaFiristia.”

6Ipapo mukadzi akaenda kumurume wake akandomuudza akati, “Munhu waMwari asvika kwandiri. Anga achiratidzika somutumwa waMwari, anotyisa kwazvo. Handina kumubvunza kuti abva kupi, uye haana kundiudza zita rake. 7Asi ati kwandiri, ‘Uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Zvino, chirega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye usadya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva pakuzvarwa kwake kusvikira pazuva raanofa.’ ”

8Ipapo Manoa akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, ndinokukumbirai, regai munhu waMwari wamakatuma kwatiri adzokezve kuti azotidzidzisa kurera kwatingaita mukomana achazozvarwa.”

9Mwari akanzwa Manoa, uye mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi panguva yaakanga ari kumunda; asi murume wake Manoa akanga asipo paari. 10Mukadzi akakurumidza kundoudza murume wake kuti, “Ari pano! Murume uya akazviratidza kwandiri zuva riya!”

11Manoa akasimuka akatevera mukadzi wake. Akati asvika pamurume uya, akati, “Ndimi here makataura kumukadzi wangu?”

Iye akati, “Ndini.”

12Saka Manoa akamubvunza akati, “Mashoko enyu paachazadziswa, mutemo unofanira kutevedzwa paupenyu hwomukomana napabasa rake ndoupi?”

13Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Mukadzi wako anofanira kuita zvose zvandakamuudza. 14Haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuzambiringa, uye kunwa waini ipi zvayo kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa kana kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena. Anofanira kuita zvose zvandakamurayira.”

15Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Tingada kuti mumbogara kusvikira takugadzirirai kambudzana.”

16Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Kunyange dai mukandibata henyu, handingadyi chokudya chenyu chipi zvacho. Asi kana muchigadzira chipiriso chinopiswa, chipei kuna Jehovha.” (Manoa haana kuziva kuti akanga ari mutumwa Jehovha.)

17Ipapo Manoa akabvunza mutumwa waJehovha akati, “Zita renyu ndianiko, kuitira kuti tigokukudzai pachazadziswa shoko renyu?”

18Akapindura akati, “Unobvunzireiko zita rangu? Haringanzwisisiki.” 19Ipapo Manoa akatora kambudzana, pamwe chete nechipiriso chezviyo, akazvibayira kuna Jehovha paruware. Uye Jehovha akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakatarisa: 20Murazvo wemoto wakati uchikwira kubva paaritari wakananga kudenga, mutumwa waJehovha akakwira ari mumurazvo. Vakati vaona izvi, Manoa nomukadzi wake vakawira pasi nezviso zvavo. 21Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomukadzi wake, ipapo Manoa akaziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha.

22Akati, “Tichafa zvirokwazvo! Taona Mwari!”

23Asi mukadzi wake akati, “Kana Jehovha anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa nechipiriso chezviyo kubva mumaoko edu, uye angadai asina kutiratidza zvinhu zvose izvi kana kutiudza izvi zvino.”

24Mukadzi akasununguka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Samusoni. Akakura uye Jehovha akamuropafadza, 25uye Mweya waJehovha wakatanga kumumutsa paakanga ari paMahane Dhani, pakati peZora neEshitaori.

Copyright information for SnaBDSC